Owanikwa Achikanda Mushonga Muguva Remurume wake

HURONGWA hwekuvigwa kwemurume aive mudzidzisi kwaZimunya, kwaMutare, hwakambomiswa vanhu vatounganira bhokisi kuti richidzikiswa muguva apo mudzimai wemushakabva akaonekwa achikanda mushonga mugomba rerinda.

Chipo chezuva rose, bhokisi raiva nechitunha uye ratoburitswa mumba, rakaita serichagochwa nezuva richingova padivi peguva apo hama dzanyakufa nevamwe vepedyo vainge vombokwidza nyaya iyi kwamambo wavo vachida kunzwisisa zvainge zvaitwa nemudzimai wemufi.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vanotsinhira nyaya iyi vachiti Omega Basira (29) ndiye akakanda mushonga muguva raida kuvigwa murume wake, Edmore Sengayi (34).

Vanoti Edmore aiva mudzidzisi uye aigara nemudzimai wake pachikoro achimbodzoka kumba kwevabereki vake kusvikira akazorwara.

“Murume uyu aigara nemudzimai wake uye anonzi akatanga kurwara achiti aimonerwa nenyoka iyo yaimuita mudzimai panguva imwe chete achirohwa nezvidhoma. Akazodzoka kubva kuchikoro ndokutanga kugara pamba pevabereki vake apo tinonzwa kuti aigara akavharirwa mumba kusvikira ndakavatumira nhume kuti vanomurapisa,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti Edmore aiva achangopedza kutora dhigirii rake rehudzidzisi.

“Afa kudaro, mutumbi wemurume uyu wakarara mumba, vanhu vakazofuma vachichera guva ndokuzoburitsa bhokisi kuma12 masikati kuti unovigwa. Mutumbi usati wasvika kumakuva, mudzimai wemufi uyu neimwe hama yake yechidzimai, vanonzi vakamhanyira mberi, ndokunokanda mushonga muguva uyo usina kuzivikanwa kuti waiva wei,” vanodaro Mambo Zimunya.
Mudzimai uyu kunze kwekukanda mushonga muguva, anonziwo aiva atora jira ravo ravaishandisa muimba yekurara nemurume wake, ndokugara naro vanhu vasingazive.

“Pakaonekwa kuti mudzimai uyu aiva akanda mushonga muguva, vabereki vemushakabvu nevamwe, vakabva vamhanya kuuya kuzokwidza nyaya iyi kudare kwangu. Takavashevedza vose nehama dzemudzimai uyu, mudzimai ndokubvuma kuti ainge akanda mushonga izvo zvaanoti chivanhu chekumusha kwake. Takazovaripisa mombe nekuita kwakadai,” vanodaro mambo ava.

Vanoti jira raishandiswa muimba yekurara nemudzimai uyu nemurume wake rakazodzoswa rikakandwa mumvura kurwizi.

Mambo Zimunya vanoti vabereki vemushakabvu vanotiwo chivanhu chiri pana Basira ndicho chakauraya mwana wavo sezvo vachiti muroora wavo mudzimai wengozi kana kuti wechikwambo.

“Zvakaonekwawo kuti vabereki vemurume uyu vaiva nechekuita nekufa kwemwana wavo, zvisinei kudivi remudzimai wemufi kunonziwo kwakabatsira pakuparara kwemushakabvu uyu,” vanodaro.

Sekuru Abisha Sengayi (75) naMbuya Diana Gowera Sengayi (72) vanove vabereki vemushakabvu vanotaurawo nezvekufa kwemwanakomana wavo.
“Mwana wedu akafa achirwadziwa achiti aimonerwa nenyoka ichishinha naye iyo yaimukisa uyewo anoti aiona zvidhoma zvaimurova. Rimwe zuva akafuma achiti aiva ashanyirwa nechimurume chipfupi-pfupi.

“Kune zvakawanda zvinotaurwa sekuti tinoroya uye takauraya mwana wedu asi handizvo. Chionai izvozvi tava kurarama munhamo,” vanodaro Sekuru Sengayi.

Vanoti mushonga wakakandwa muguva nemuroora wavo waiva wekutsipika mweya wemushakabvu.

Sekuru Sengayi nemudzimai wavo vanopinda chechi yeZviratidzo Zvevapositori.

”Ini ndinonzi ndinoenda mugomo kunopa zvidhoma zvangu chikafu, vadzimai vachinziwo vane zvidhori kwavanonamatira, asi ose manyepo anotaurwa aya,” vanodaro Sekuru Sengayi.

Mbuya Gowera vanotiwo huroyi hunotaurwa kuti vakauraya mwana wavo havana chavanoziva nekuda kwaizvozvo.

“Mwana wangu akafa atambura achiti aiona nyoka yaimumonera ichimuyamwa nekumuita mukadzi, kusanganisawo nezvidhoma. Aichema mumba umu tichimuka tichinamata, mudzimai waEdmore Munyaradzi Sengayi, iye Omega Basira uyu, akazokanda mushonga muguva asi zvikabatwa.

“Nyaya inotirwadza ndeyekuti akatakura midziyo yose yemwana wedu, kusanganisira motokari nevana 4 vose nemari yakabuda yemudyandigere,” vanodaro Mbuya Sengayi.

  • Share: