Jackie Ngarande Warns Her First Husband Never To Call Her New Husband

My first husband called my second husband this morning saying ndinokumbirawo kuona vana vangu,Zvikanzi nemurume wangu vana vapi ,zvikanzi nefirst husband vana vawakawana mukadzi wako ainavo vana vangu,My husband said from the day I met Jackie nevana vake ,waivepi he didn't respond ,akanzi dairaika ,haana kupindura.

Pafone pangu hapafoneke ,I blocked him everywhere,I do not post my kids on social media,hama dzinovhakacha are not allowed pictures with my kids,haana kwekuvaona kana padiki..Inga wakati I will never be anything in life ,Ndakambokutsvaga here from 29 March 2013 to 24 April 2022 tatachovha wani ,mabirth wakaramba kutoresa vana,Hanzvadzi dzangu dzikandibatsira kurera vana,kutoresa mabirth ,chikoro vana ava vanonzi Ngarande pasurname .Vana vangu ,ndakarera ndega, murume wangu akada sanzu akazvuva nemarara aro, ukaedza pese nepaunogona kutora mufaro wangu asi ,nhasi ndigere.

Vana hauvaone ,ndinopika navaKwindima vakaberekwa navaPasipanodya,Vana vakazowana baba mumakore mana apfuura aya,Baba ava vanovada uye kunyanya mudiki wawandikira gate arimustroller haatokuzive hako ,anotofunga kuti baba varipo ndobaba vake,mukuru akanganwa these kids have forgotten about you,vaye vanoti mwana anotsvaga baba akura vakakunyepera,Vana vangu ndakavakayereswa nehangwana dzasawara,they will never look for you,vakadya chifumuro

Makadada kani,makuda chii ,nanhasi makaramba negupuro,mhosva yangu yaive yechii chaizvo,hubaba madzoro vakawana wamwe,Chinokanganwa idemo kwete muti wakatemwa.Chigaro chauinacho munyika chinogona kukanganisika nezvamatanga izvi.

Ngatikanganwei nekuti kupindana kwemazuva,musavhure maronda akapora kuita manyukira🙏🙏🙏🙏🙏

 

  • Share: