Zvinotyisa Zvirimunyika Madzibaba Bond Votaura Kushungurudzwa Nemweya Wemunhu Wavakauraya Kusowe Kuchitungwiza

KWAYEDZA inomira nenyaya yayo yayakaburitsa nguva yadarika pamusoro peanozviti muporofita wekuChitungwiza – Madzibaba Bond Gumira Jnr – uyo akaenda kunozvipira kumapurisa ekwaZiko, kwaSeke, achiti ari kutambudzwa nemweya wemunhu waanoti akauraya.

 

 

 

 

 

 

 

Bond ane sowe kuUnit N, kuChitungwiza, uye anonzi aivhetemetsa motokari iyi zvikaita kuti vanhu vavhunduke ndokudzvamuka panzvimbo iyi vachitiza vachitya kutsikwa.

 

 

 

 

 

“Nekuda kwemaitiro ake, mapurisa vakazoziviswa nezvenyaya iyi ndokuonekwa kuti aivawo nepfuti yerudzi rweFN Browning Pistol iyo mapurisa vakabatsirwa kuiwana nemurume anonzi

 

 

 

 

 

 

 

 

Joshua Madongo uyo ane pachitoro payakadonhedzerwa. Pane mashoko ari kutaurwa nemuporofita uyu zvakare ekuti akaponda munhu ayo tiri kuferefeta semapurisa,” Asst Comm Nyathi vakaudza Kwayedza panguva iyi.

 

 

 

 

 

 

Muporofita uyu asungwa nemapurisa, anonzi akatanga kutaura zvinhu zvakawanda kusanganisira kuti akaponda munhu uyewo nekuti isvikiro guru reZimbabwe.

 

Mota yamadzibaba Bond

“Muporofita uyu akazoendeswa kukamba yemapurisa yekuDema uko aifambira mberi nekutaura mashoko anosanganisira kuti aiva mhondoro huru yenyika uye kuti akaponda. Nekuda kwemashoko akawanda ayo aitaura, kwakazouya amai vake – Maudy Makuvaza – ndokumupihwa nemapurisa kuti vaende naye kuchipatara kuti anoongororwa pfungwa dzake uko ari kurapwa.

 

 

 

 

 

 

 

 

“Isu semapurisa, tiri kufambira mberi nekuferefeta nyaya dzose dzaakataura tichimirira kudzikama kwake uyewo ane mhosva yekutyora mitemo yemumugwagwa,” vanodaro.

 

 

 

 

 

 

“Mashoko ake ekuti akaponda munhu ari kuongororwa zvakasimba, kuchionekwa kuti pfuti yaakawanikwa ainayo ndeyake here uyewo kuti ine matsamba anokodzera here, nemhosva zvakare yekuvhetemesa motokari nemukati mevanhu achipotsa apinza upenyu hwevanhu parumananzombe,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Muporofita uyu, uyo anoti ndiye akapihwa tsvimbo yaMutumwa Micho, anonzi akasiyawo bakatwa pachitoro chaakatanga kusvika kwaZiko iro vanhu vari kuty

 

Zimbabwe yorwisa kutorwa kwezvinodhaka

 

 

 

 

Ndozvavapo varume vashoma paushoma ipapo vamwe vava ma gay saka number ikudzi

 

 

 

 

<Madzibaba Bond paakanozvipira kumapurisa, aizviti ndiye mhondoro huru yemuZimbabwe.

 

 

 

 

 

 

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vakatsinhira kuti Madzibaba Bond akaenda panzvimbo yemabhizimisi yeMurisa kana kuti kwaZiko iri kwaSeke, apo aityaira motokari yake yerudzi rweFortuner ine nhamba dzinoti ABG 7296I

 

 

 

 

 

 

 

 

 

zvi zvinotevera mashoko akataurwa naMadzibaba Bond panhepfenyuro yeStar FM pachirongwa chinoitwa naOllah 7 chinonzi On the Spot nemusi weChipiri manheru ekuti Kwayedza haina kutaura chokwadi pamusoro penyaya iyi.

 

 

 

 

 

Madzibana Bond ari kuramba kuti akazvinozvipira kumapurisa panguva iyi zvisinei kuti Kwayedza yakataura nemapurisa akatsinhira kunozviisa mumaoko memapurisa kwemurume uyu.

 

 

 

 

 

 

 

Nekuda kwemashoko akataurwa naMadzibaba Bond panhepfenyuro, Kwayedza inoburitsa zvekare nyaya iyi semabudiro ayakaita pakutanga kuitira kuti vaverengi vagonzvera voga chokwadi nemanyepo.

  • Share: